Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Ndakanga Ndisingadi Kufa!

Ndakanga Ndisingadi Kufa!
  • GORE ROKUBEREKWA: 1964

  • NYIKA: ENGLAND

  • NHOROONDO YOUPENYU: AIVA NEMUSIKANZWA UYE AKAITA NHUMBU ACHIRI MUDIKI

MARARAMIRO ANDAIITA

Ndakaberekerwa muguta rinogara vanhu vakawanda rinonzi Paddington, riri kuLondon muEngland. Ndaigara naamai navanasisi vangu vatatu. Baba vangu vaiva chidhakwa saka vaimboita vachitisiya tega.

Pandaiva mudiki, amai vaindidzidzisa kunyengetera manheru ega ega. Ndaiva nekaBhaibheri kaingova nebhuku raMapisarema, uye ndaigadzira chuni kuti ndikwanise kuimba mashoko acho. Ndinoyeuka ndichiverenga rimwewo bhuku raiva nemashoko akaramba ari mupfungwa dzangu ekuti: “Rimwe zuva tichafa.” Mashoko aya aindishayisa hope ndichifunga nezveramangwana. Ndakafunga kuti, ‘Upenyu hunofanira kuva nechinangwa. Chinangwa chekurarama ndechei?’ Ndakanga ndisingadi kufa!

Ndakatanga kufarira zvemashiripiti. Ndaiedza kutaura nevakafa, taienda kumakuva neshamwari dzangu dzekuchikoro, uye taiona mafirimu anotyisa. Zvaiita sezvinonakidza asiwo zvaityisa.

Pandakasvika makore 10, ndakatanga kunetsa. Ndakatanga kusvuta fodya uye pasina nguva yakanga yandipinda muropa. Ndakazopedzisira ndava kusvuta mbanje. Ndava nemakore 11 ndakatanga kunwa doro. Raisandinakira asi ndaifarira zvandainzwa kana ndadhakwa. Ndaifarirawo zvemimhanzi nekutamba. Pandaiwana mukana ndaienda kumapati nekumanightclub. Ndaibuda usiku pasina ari kundiona ndozodzoka kwava kunoedza vanhu vasati vamuka. Ndaimuka ndakaneta saka kakawanda kacho ndaitiza chikoro. Mazuva andaiswerawo kuchikoro, ndaiwanzonwa doro panguva yataimirira kuti mumwe mudzidzisi auye.

Pandakapedza chikoro ndakafoira. Sezvo amai vakanga vasinganyatsoziva nezvemisikanzwa yangu vakarwadziwa. Takapopotedzana ndichibva ndatiza pamba. Ndakambonogara nemukomana wangu aiva murasta anonzi Tony. Aiita zvechitsotsi, kutengesa madrugs uye aiva nembiri yekurwa nevanhu. Pasina nguva ndakabva ndabata pamuviri ndikasununguka mwana mukomana ndiine makore 16.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

Ndakaonana neZvapupu zvaJehovha kekutanga pandaigara padzimba dzinogarwa navanaamai vasina kuroorwa. Ndakanga ndapiwawo pekugara panzvimbo iyi. Pane vakadzi vaviri veZvapupu zvaJehovha vaigara vachishanyira vamwe vakadzi vechidiki vataigara navo. Rimwe zuva ndakaendawo kunogara pavakanga vachikurukura ndichida kuvaratidza kuti zvavaidzidzisa ndezvekunyepa. Asi vakanyatsopindura mibvunzo yangu yose vakadzikama vachishandisa Bhaibheri. Ndakayemura unhu hwavo hwakanaka. Saka ndakabvuma kuti vazondidzidzisa Bhaibheri.

Pane zvandakadzidza muBhaibheri zvakabva zvachinja upenyu hwangu. Kubva ndichiri mudiki, ndaitya kufa. Asi ndakazoona zvinodzidziswa naJesu nezverumuko. (Johani 5:28, 29) Ndakadzidzawo kuti Mwari anondida. (1 Petro 5:7) Mashoko akandibata ndeari pana Jeremiya 29:11 anoti: “‘Nokuti ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘pfungwa dzorugare, kwete dzedambudziko, kuti ndikupei nguva yemberi netariro.’” Ndakatanga kuona kuti ndinokwanisawo kuzorarama nokusingaperi muParadhiso pano panyika.Pisarema 37:29.

Zvapupu zvaJehovha zvakanyatsondiratidza rudo. Musi wandakatanga kuenda kumisangano yavo ndakagamuchirwa zvakanaka, zvekuti ndainyatsonzwa ndakasununguka! (Johani 13:34, 35) Zvanga zvakasiyana nekure chaizvo nezvaiitika kuchechi kwandakamboenda. Zvapupu zvakandigamuchira pasinei nezvandaiva. Vaiva nehanya neni, vainditeerera pandaitaura uye vaindibatsira pane zvimwewo zvandaida pakurarama. Ndainyatsonzwa kuti ndiri mumhuri yakakura, ine rudo.

Zvandaidzidza muBhaibheri zvakaita kuti ndione kuti ndinofanira kuchinja mararamiro angu kuti ndifadze Mwari. Zvakanga zvisiri nyore kusiya fodya. Ndakaonawo kuti pane nziyo dzandaiteerera dzaiita kuti ndinzwe ndichida kusvuta mbanje, saka ndakabva ndasiyana nenziyo idzodzo. Ndakasiyawo zvekuenda kumapati nemanightclub nekuti zvaindiisa pamuedzo wekudhakwa. Ndakabva ndatsvaga shamwari itsva dzaizondikurudzira kuita zvinhu zvakanaka.Zvirevo 13:20.

Panguva iyi, Tony akanga achidzidzawo Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Mibvunzo yake yakapindurwa pachishandiswa Bhaibheri, zvikaita kuti aone kuti aidzidziswa chokwadi. Akarega kuita zvechitsotsi, kusvuta mbanje uye kutamba neshamwari dzaida zvekurwa. Kuti tinyatsofadza Jehovha, takaona kuti taifanira kusiya upenyu hwakashata hwatairarama, toita kuti mwana wedu akure mumhuri ine vanhu vane tsika dzakanaka. Takazoroorana muna 1982.

“Handichashayi hope nekufunga nezveramangwana kana kutya kufa”

Ndichiri kuyeuka ndichitsvaka nyaya dzaiva muNharireyomurindi nemuMukai! * dzaitaura nezvevanhu vaimbenge vakaitawo seni asi vakazokwanisa kuchinja. Zvavakaita zvakandikurudzira! Zvakandipa simba rekuti ndisadzokera kumashure. Ndakaramba ndichinyengetera kuna Jehovha kuti arambe achindibatsira. Ini naTony takazobhabhatidzwa kuva Zvapupu zvaJehovha muna July 1982.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

Kuswedera pedyo naJehovha Mwari kwakandiponesa. Ini naTony takaona Jehovha achititsigira zvinhu pazvaitiomera. Izvi zvakatibatsira kuvimba naMwari uye tinoona kuti nanhasi achiri kutibatsira uye ari kutitsigira.Pisarema 55:22.

Ndinofara kuti ndakabatsira vana vedu vaviri kuti vazivewo Jehovha. Iye zvino ndiri kufara kuonawo vana vavo vachishumira Jehovha.

Handichashayi hope nekufunga nezveramangwana kana kutya kufa. Ini naTony tinogara tichishanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha vhiki nevhiki tichidzikurudzira. Tinoendawo navo kunodzidzisa vamwe kuti vatende muna Jesu vazowanawo upenyu husingaperi.

^ ndima 17 Mukai! inobudiswawo neZvapupu zvaJehovha.