Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHARIREYOMURINDI Nhamba 1 2017 | Zvaungaita Kuti Ubatsirwe neBhaibheri

UNOFUNGEI?

Unofunga kuti Bhaibheri richiri kushanda here mazuva ano? Bhaibheri pacharo rinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira.”2 Timoti 3:16, 17.

Magazini ino inoratidza kuti Bhaibheri rinogona kutibatsira pazvinhu zvipi uye kuti ungaita sei kuti zvaunoverenga muBhaibheri zvikubatsire.

 

NYAYA IRI PAKAVHA

Kuverenga Bhaibheri Kwakanakirei?

Kuverenga Bhaibheri kuri kubatsira sei vanhu vakawanda?

NYAYA IRI PAKAVHA

Ndingaita Sei Kuti Nditange?

Zvinhu 5 zvaungaita kuti unakidzwe nekuverenga Bhaibheri.

NYAYA IRI PAKAVHA

Ungaitei Kuti Unakidzwe Nekuriverenga?

MaBhaibheri akasiyana-siyana, indaneti uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri, zvinobatsira chaizvo kuti kuverenga Bhaibheri kunakidze.

NYAYA IRI PAKAVHA

Bhaibheri Ringandibatsira Sei Muupenyu?

Bhuku iri rakanyorwa kare rine mazano anogona kukubatsira.

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Ndakanga Ndisingadi Kufa!

Yvonne Quarrie akambobvunza kuti, “Chinangwa chekurarama ndechei?” Mhinduro yaakawana yakachinja upenyu hwake.

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO

“Akanga Anyatsofadza Mwari”

Kana uine mhuri yauri kuriritira kana kuti uchiomerwa nekuita zvinhu zvakanaka, uchabatsirwa nekuverenga nyaya yaInoki, murume aiva nekutenda.

Zvakakosherei Kuti Uzive Chokwadi?

Zvinhu zvinotaurwa muBhaibheri zvakakosha zvekuti haufaniri kutadza kuzvinzwisisa. Ungaita sei kuti uzvinzwisise?

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri rinotaura kuti sei vanhu vachitambura uye kuti kuchapera sei.

Zvimwe Zviri paIndaneti

Bhaibheri Rinozvipikisa Here?

Ongorora mavhesi anoita senge anopikisana uye zvinhu zvingakubatsira kuwana tsanangudzo dzakajeka.