Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAUNGAITA KUTI UBATSIRWE NEBHAIBHERI

Bhaibheri Ringandibatsira Sei Muupenyu?

Bhaibheri Ringandibatsira Sei Muupenyu?

Bhaibheri rakasiyana nemamwe mabhuku. Mazano arimo anobva kuMusiki wedu. (2 Timoti 3:16) Zvarinotaura zvinogona kutibatsira chaizvo. Bhaibheri pacharo rinoti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” (VaHebheru 4:12) Rine simba rekuchinja upenyu hwedu munzira mbiri. Rinotitungamirira muupenyu mazuva ano uye rinotibatsira kuti tizive Mwari uye zvaanotivimbisa.1 Timoti 4:8; Jakobho 4:8.

Rinoshandura upenyu hwako iye zvino. Bhaibheri rinogona kubatsira pazvinhu zvakadai seizvi

Mumwe murume nemudzimai vekuAsia vakatenda chaizvo mazano avakawana muBhaibheri. Sezvinongoitika kuvanhu vanenge vachangoroorana, zvainge zvakavaomera kuti vajairane uye vabudirane pachena pavaitaurirana. Asi vakabva vatanga kushandisa zvavaiverenga muBhaibheri. Zvakavabatsira here? Murume wacho, Vicent, anoti: “Zvandakaverenga muBhaibheri zvakandibatsira kuti ndigadzirise matambudziko emumba asi ndichizviita nerudo. Kuita zvinotaurwa neBhaibheri kuri kuita kuti mhuri yedu ifare.” Mudzimai wake, Annalou, anobvumiranawo nazvo achiti: “Kuverenga nezvevanhu vanotaurwa muBhaibheri kwakatibatsira. Iye zvino ndava kufara uye ndava kugutsikana nezvatinovavarira kuita muupenyu.”

Kuziva Mwari. Kunze kwekutaura nezvewanano yavo, Vicent anotiwo: “Kuverenga Bhaibheri kuri kuita kuti ndiwedzere kuva pedyo naJehovha kupfuura zvazvaiva kare.” Zvakataurwa naVicent zvinoratidza kuti chinhu chinonyanya kukosha ndechekuti Bhaibheri rinobatsira pakuziva Mwari. Kunze kwekungobatsirwa nemazano anopiwa naMwari, kuverenga Bhaibheri kuchaita kuti umuone seshamwari chaiyo. Uchaonawo kuti anotaura kuti upenyu huchange hwakanaka zvakadii mune ramangwana pauchararama hunonzi “upenyu chaihwo” nekusingaperi. (1 Timoti 6:19) Zvechokwadi, hapana bhuku rakafanana neBhaibheri.

Kana ukatanga kuverenga Bhaibheri, woramba uchidaro, uchaona kuti upenyu hwako huchachinja uye uchaziva Mwari. Asi paunenge uchiriverenga, unogona kuva nemibvunzo yakawanda. Kana ukava nayo, yeuka zvakaitwa nemukuru mukuru wekuItiopiya akararama makore 2 000 apfuura. Aiva nemibvunzo yakawanda nezveBhaibheri. Paakabvunzwa kana ainzwisisa zvaaiverenga, akati: “Chokwadi, ndingadaro sei kana mumwe asingandirayiridzi?” * Akabva abvuma nemwoyo wose kubatsirwa nemumwe wevadzidzi vaJesu ainzi Firipi, uyo ainyatsoziva Shoko raMwari. (Mabasa 8:30, 31, 34) Saka kana uchida kuziva zvakawanda zvinotaurwa neBhaibheri, unogona kutumira chikumbiro chako paIndaneti pawww.mt711.com kana kuti kukero iri pedyo newe pane dziri mumagazini ino. Unogona kutaura neZvapupu zvaJehovha zviri pedyo nekwauri kana kuti kuenda paImba yoUmambo. Wadii kubva watotanga kuverenga Bhaibheri nhasi, woita kuti rikutungamirire muupenyu?

Kana usina chokwadi kuti ungavimba here neBhaibheri, ona vhidhiyo inonzi Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari? Unogona kuiwana kana ukaenda pajw.org pachikamu chakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > MAVHIDHIYO > BHAIBHERI

^ ndima 8 Kuti uone zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri vhura website yedu, jw.org. Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA.

^ ndima 11 Verengawo nyaya yakanzi “Zvakakosherei Kuti Uzive Chokwadi?” iri mumagazini ino.