Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakakosherei Kuti Uzive Chokwadi?

Zvakakosherei Kuti Uzive Chokwadi?

Kamwe kasikana kakaona utsi hwaipwititika kubva mufekitori huchinoita semakore mudenga. Kakabva kafunga kuti fekitori iyi inogadzira makore. Kasikana aka kakatadza kunzwisisa kunobva makore, uye izvi zvinogona kusetsa. Asi kumwe kutadza kunzwisisa kunogona kutoisa upenyu hwedu pangozi. Semuenzaniso, kana ukatadza kunzwisisa zvinenge zvakanyorwa pabhodhoro remushonga, unogona kuzvikuvadza.

Kutadza kunzwisisa zvinotaurwa muBhaibheri kune ngozi yakatokura kudarika zvimwe zvese. Semuenzaniso, vamwe vanhu havana kunzwisisa dzidziso dzaJesu. (Johani 6:48-68) Pane kuti vadzidze kuna Jesu, vakaramba zvose zvaaidzidzisa. Vakatambisa mukana!

Unoverenga Bhaibheri kuti rikutungamirire muupenyu hwako here? Kana uchiriverenga, uri kuita zvakanaka. Asi zvinogona kuitika here kuti unogona kutadza kunzwisisa zvimwe zvaunenge waverenga? Izvi zvinoitika kune vakawanda. Chimboona nyaya 3 dzisingawanzonzwisiswa nevamwe.

  • Vamwe vanhu havanzwisisi zvinorehwa neBhaibheri parinoti “itya Mwari wechokwadi.” Vanofunga kuti kutya kunenge kuchirehwa kutya kuzorangwa. (Muparidzi 12:13) Asi Mwari haadi kuti vaya vanomunamata vamutye nenzira iyi. Anoti: “Usatya, nokuti ndinewe. Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira.” (Isaya 41:10) Kutya Mwari kunongoreva kumuremekedza zvikuru.

  • Pasi rino richaparadzwa nemoto here?

    Vamwe havanzwisisi mashoko akafemerwa naMwari ekuti: “Chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, . . . nguva yokuberekwa nenguva yokufa.” Vanofunga kuti munhu wese ane zuva rake rokufa raakatarirwa naMwari. (Muparidzi 3:1, 2) Asi chokwadi ndechekuti vhesi iyi inenge ichingotaura zvinoitika pakurarama, uye kuti munhu wese anoguma afa. Shoko raMwari rinodzidzisawo kuti zvatinosarudza muupenyu zvinogona kuita kuti tirarame kwenguva refu kana kuti pfupi. Semuenzaniso, tinoverenga kuti: “Kutya Jehovha kuchawedzera mazuva.” (Zvirevo 10:27; Pisarema 90:10; Isaya 55:3) Nei tichidaro? Semuenzaniso, kuremekedza Shoko raMwari kunoita kuti tirege zvinhu zvinotikuvadza zvakadai seudhakwa uye unzenza.1 VaKorinde 6:9, 10.

  • Vamwe vanofunga kuti Bhaibheri parinoti matenga nenyika “zvakachengeterwa moto” rinenge richireva kuti Mwari achatoparadza pasi rino. (2 Petro 3:7) Asi Mwari anotivimbisa kuti haasi kuzomboparadza pasi rino. Mwari “akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5; Isaya 45:18) Vanhu vakaipa nezvose zvakaipa zvavari kuita ndizvo zvichaparadzwa, zvoita sekunge kuti zvaparadzwa nemoto nekuti hazvizovikozve. Asi panenge pachitaurwa nezvematenga chaiwo dzimwe nguva chinenge chichirehwa idenga ratinoona rizere nenyeredzi kana kuti kudenga kunogara Mwari. Hapana chichaparadzwa pazviviri izvi yaanogara.

NEI DZIMWE NGUVA VANHU VACHITADZA KUNZWISISA BHABHERI?

Sezvawaona mumienzaniso iyi, vanhu vanowanzotadza kunzwisisa mavhesi avanoverenga muBhaibheri. Asi nei Mwari achisiya izvozvo zvichiitika? Vamwe vangafunga kuti: ‘Kana Mwari akachenjera uye ariye anoziva zvose, angadai akanyora bhuku rekuti munhu wose anokwanisa kunyatsonzwisisa. Nei asina kudaro?’ Ona zvikonzero zvitatu zvinowanzoita kuti vanhu vasanzwisisa Bhaibheri.

  1. Bhaibheri rakanyorwa nenzira yekuti rinzwisiswe nevanhu vanozvininipisa uye vanoda kudzidza. Jesu akati kuna Baba vake: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wokudenga nenyika, nokuti makanyatsovanzira vakachenjera nevakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche.” (Ruka 10:21) Bhaibheri rakanyorwa nenzira yekuti vaya chete vanoda kudzidza varinzwisise. Vaya vanozvikudza, sezvinowanzoita “vakachenjera nevakangwara,” vanowanzotadza kunzwisisa Bhaibheri. Asi vanhu vanozvininipisa uye vanoda kudzidza sezvinoita vana vadiki, vanonzwisisa mashoko aMwari. Mwari akanyora Bhaibheri neunyanzvi!

  2. Bhaibheri rakanyorerwa vanhu vanoda kubatsirwa naMwari kuti varinzwisise. Jesu akataura kuti vanhu vaizofanira kuwana rubatsiro kuti vanzwisise zvaaidzidzisa. Vaizoruwana sei? Jesu akati: ‘Mubatsiri, iwo mweya mutsvene, uchatumirwa naBaba muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose.’ (Johani 14:26) Saka Mwari anopa vanhu mweya mutsvene, kureva simba rake, kuti avabatsire vanzwisise zvavanoverenga muBhaibheri. Asi haapi mweya mutsvene kuvanhu vasingavimbi nerubatsiro runobva kwaari, saka vanhu vakadaro vanowanzoona sekuti Bhaibheri harinzwisisiki. Mweya mutsvene unoitawo kuti vaKristu vane ruzivo vabatsire vamwe vanoda kunzwisisa Bhaibheri.Mabasa 8:26-35.

  3. Mamwe mavhesi emuBhaibheri anonzwisiswa nevanhu kana nguva yekuti anzwisiswe yasvika. Semuenzaniso, muprofita Dhanieri akaudzwa kuti anyore zvinhu zvaizoitika mune ramangwana. Ngirozi yakamuudza kuti: “Dhanieri, vanza mashoko acho uname bhuku racho, kusvikira kunguva yokuguma.” Kwemazana emakore, vanhu vakawanda vakaedza kuverenga bhuku raDhanieri, asi vasingarinzwisisi. Uye Dhanieri wacho pachake haana kutonzwisisa zvaainyora. Akaratidza kuzvininipisa paakataura kuti: “Ndakazvinzwa, asi handina kuzvinzwisisa.” Pakupedzisira, kana nguva yaMwari yakwana, vanhu vaizonzwisisa uprofita hwaMwari hwakanyorwa naDhanieri. Ngirozi yacho yakati: “Enda, Dhanieri, nokuti mashoko acho akavanzwa uye akanamwa kusvikira kunguva yokuguma.” Ndiani achanzwisisa mashoko aMwari? “Hapana kana vakaipa vachanzwisisa; asi vaya vane njere vachanzwisisa.” (Dhanieri 12:4, 8-10) Saka Mwari ndiye anosarudza nguva yekuti mamwe mavhesi ari muBhaibheri anzwisiswe.

Zvapupu zvaJehovha zvakambotadza kunzwisisa Bhaibheri nekuti nguva yaMwari yainge isati yakwana here? Hungu. Asi nguva yaMwari payaisvika, Zvapupu zvaibva zvachinjawo manzwisisiro azvinoita Bhaibheri. Saka pavanodaro, vanenge vachitevedzera vaapostora vaKristu, avo vaiti kana vakaruramiswa naJesu, vaizvininipisa, vobva vagadzirisa mafungiro avo.Mabasa 1:6, 7.

Zvaifungwa nekasikana kaya zvekuti makore anobva kupi kwaingovawo kusanzwisisa kudiki. Asi zvinodzidziswa neBhaibheri zvinhu zvinokosha zvaunofanira kunzwisisa. Mashoko ari muBhaibheri haasi ekuti ungaanzwisisa uri wega, saka unofanira kuwana rubatsiro. Tsvaga vanhu vanodzidza Bhaibheri vachizvininipisa, vanovimba nemweya mutsvene waMwari kuti varinzwisise, uye vanoziva kuti tiri kurarama munguva iyo Mwari anoda kuti tinzwisise Bhaibheri kupfuura kare. Taura neZvapupu zvaJehovha kana kuti verenga nyaya dzakatsvakurudzwa dzavanobudisa pawebsite yejw.org. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Kana ukachemera kunzwisisa . . . , uchawana zivo pamusoro paMwari.”Zvirevo 2:3-5.