Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinomanikidza Vana Vazvo Kutenda Zvavanotenda Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinomanikidza Vana Vazvo Kutenda Zvavanotenda Here?

 Aiwa, nekuti munhu anosarudza ega kuti anoda kunamata Mwari here kana kuti kwete. (VaRoma 14:12) Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa vana vazvo chokwadi chiri muBhaibheri, asi mwana wese kana akura, anofanira kuzvisarudzira ega kuti anoda kuva Chapupu chaJehovha here kana kuti kwete.—VaRoma 12:2; VaGaratiya 6:5.

 Zvapupu zvaJehovha zvinoda kuti vana vazvo vave neupenyu hwakanaka, sezvinongoitawo vabereki vese. Vanodzidzisa vana vavo zvinhu zvavanoona kuti zvinogona kuvabatsira, zvakadai semabasa achaita kuti vazokwanisa kuzviriritira, tsika dzakanaka uye zvekunamata. Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti Bhaibheri ndiro rinoita kuti munhu abudirire muupenyu, saka vanoedza kuita kuti zvarinotaura zvive pamwoyo pevana vavo kuburikidza nekuvadzidzisa Bhaibheri uye kupinda misangano yechiKristu pamwe chete navo. (Dheuteronomi 6:6, 7) Paanenge akura, mwana ndipo paanozosarudza ega kuti otenda zvinotendwa nevabereki vake here kana kuti kwete nekuti anenge ava kuziva.

 Zvapupu ZvaJehovha zvinobhabhatidza vacheche here?

 Aiwa. Bhaibheri haritsigiri kubhabhatidzwa kwevacheche. Semuenzaniso, rinotaura kuti vaKristu vepakutanga vasati vabhabhatidzwa, “vakagamuchira shoko rake nemufaro” uye vakapfidza. (Mabasa 2:14, 22, 38, 41) Saka kuti munhu abhabhatidzwe, anofanira kunge akura zvekugona kunzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri, anofanira kuzvitenda, uye anofanira kunge asarudza ega kuti anoda kurarama zvinoenderana nezvinenge zvadzidzwa zvacho. Izvi zvinhu zvisingambokwanisi kuitwa nemwana mucheche.

 Vana pavanokura, vangasarudza kubhabhatidzwa. Asi, kuti vadaro, vanofanira kunzwisisa kuti kuzvipira kwavari kuda kuita kunombonyatsorevei.

 Zvapupu zvaJehovha zvinogura ukama nevana vanenge vasarudza kusabhabhatidzwa here?

 Aiwa. Kunyange zvazvo zvisingafadzi vabereki kana mwana wavo asingatendi zvavanotenda, vanongomuda zvakadaro uye havaguri ukama naye nepamusana chete pekuti aramba kuva Chapupu.

Munhu wese, pasinei nezera rake, anofanira kuzvisarudzira ega kuti obhabhatidzwa here kana kuti kwete

 Nei Zvapupu zvaJehovha zvichienda nevana kunoparidza?

 Pane zvikonzero zvinoverengeka nei tichienda nevana vedu kunoparidza. a

  •   Bhaibheri rinorayira vabereki kuti vadzidzise vana vavo kunamata Mwari. (VaEfeso 6:4) Sezvo kutsanangurira vamwe vanhu kutenda kwako iri imwe nzira yekunamata nayo, kuparidza inyaya inokosha pazvidzidzo zvekunamata zvinofanira kupiwa mwana.—VaRoma 10:9, 10; VaHebheru 13:15.

  •   Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti vana “ngavarumbidze zita raJehovha.” (Pisarema 148:12, 13, The Bible In Union Shona) Kuudzawo vamwe nezvaMwari inotova nzira inokosha yekumurumbidza nayo. b

  •   Vana vanodzidza zvakawanda pavanoparidza nevabereki vavo. Semuenzaniso, vanodzidza kutaura nevanhu vakasiyana-siyana, uye vanova neunhu hunokosha hwakadai sekunzwira tsitsi, mutsa, kuremekedza nerudo. Uyewo vanowedzera kunzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pezvavanotenda.

 Zvapupu zvaJehovha zvinopemberera pamazororo here kana kuita dzimwewo mhemberero?

 Zvapupu zvaJehovha hazvichengeti mazuva ezororo echitendero kana dzimwewo mhemberero dzisingafadzi Mwari. c (2 VaKorinde 6:14-17; VaEfeso 5:10) Semuenzaniso, hatipembereri mazuva ekuzvarwa kana Krisimasi, izvo zvisina kutangwa nevaKristu.

 Asi tinonakidzwa nekuva pamwe chete nemhuri dzedu uye kupa vana vedu zvipo. Pane kumirira mazororo, tinogara tichiungana semhuri nekupanana zvipo kakawanda pagore.

Vabereki vechiKristu vanogara vachipa vana vavo zvipo

a Kazhinji kacho, vana veZvapupu havaendi vega kunoparidza vasina vabereki vavo kana kuti mumwe munhu mukuru.

b Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vana vakafadza Mwari pavakaudza vamwe zvavaitenda.—2 Madzimambo 5:1-3; Mateu 21:15, 16; Ruka 2:42, 46, 47.

d Mamwe mazita akachinjwa.