Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinoenda Here Kuchipatara?

Zvapupu zvaJehovha Zvinoenda Here Kuchipatara?

 Hongu, Zvapupu zvaJehovha zvinoenda kuchipatara. Patinenge tichizvitarisira kuti tive noutano hwakanaka, dzimwe nguva ‘tinoda chiremba.’ (Ruka 5:31) Kungofanana nezvaiitwa pakatanga-tanga chiKristu, Ruka aiva chiremba, kunyangewo nanhasi vamwe veZvapupu zvaJehovha vanoshanda sanachiremba.—VaKorose 4:14.

 Asiwo kune dzimwe nzira dzokurapa dzinopesana nezvinodiwa neBhaibheri. Isu hatishandisi nzira dzakadaro. Somuenzaniso, hatibvumi kuwedzerwa ropa nokuti Bhaibheri rinorambidza kudya ropa. (Mabasa 15:20) Bhaibheri rinoshorawo kurapwa pachishandiswa zvemidzimu.—VaGaratiya 5:19-21.

 Asi kune nzira dzakawanda dzokurapwa nadzo dzisingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri. Asi munhu nemunhu ndiye anozvisarudzira kurapwa kwaachada kuitwa. Mumwe muKristu anogona kubvuma kurapwa pachishandiswa imwe nzira asiwo mumwe muKristu oona hana yake isingamutenderi kurapwa pachishandiswa nzira iyoyo.—VaGaratiya 6:5.