Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHARIREYOMURINDI Nhamba 1 2023 | Kubatsirwa neBhaibheri Pazvirwere Zvepfungwa

Mamiriyoni evanhu pasi rese ari kutambura nezvirwere zvepfungwa. Vanhu vakuru nevadiki, vapfumi nevarombo, vakadzidza nevasina, uye vemarudzi nezvitendero zvakasiyana-siyana vari kushungurudzika nedambudziko iri. Zvirwere zvepfungwa zvakaita sei uye zvinokanganisa sei vanhu? Magazini ino inoratidza kuti nei zvichikosha kuti munhu awane rubatsiro kubva kuna vanachiremba, uye inoratidzawo mazano akasiyana-siyana emuBhaibheri anobatsira vanhu vane dambudziko iri.

 

Dambudziko Rezvirwere Zvepfungwa Rapararira Pasi Rese

Chirwere chepfungwa chinogona kungokanganisa chero munhu pasinei nezera rake kana kwaanobva. Ona kuti mazano eBhaibheri angakubatsira sei.

Mwari Ane Hanya Newe

Nei uchigona kuva nechokwadi chekuti Jehovha Mwari anonzwisisa mafungiro ako uye manzwiro ako kupfuura chero ani zvake?

1 | Munyengetero—‘Kandai Zvese Zvinokudyai Mwoyo Paari’

Zvinoita here kuti unyengetere kuna Mwari nezvechinhu chero chipi zvacho chinokunetsa? Munyengetero unobatsira sei vaya vane dambudziko rekugara vachishushikana?

2 | Kunyaradzwa neBhaibheri

Bhaibheri rinotipa tariro yekuti zvinhu zvinoshungurudza zvava pedyo kubviswa.

3 | Dzidza Pane Vamwe Vanhu Vanotaurwa muBhaibheri

Nyaya dzemuBhaibheri dzevarume nevakadzi vaiva vakangoita sesu dzinotibatsira kuti tisanzwa sekunge tiri tega patinenge tichishushikana.

4 | Bhaibheri Rine Mazano Anobatsira

Ona kuti kufungisisa mavhesi eBhaibheri uye kuva nezvinangwa zvaunokwanisa kuzadzisa kunokubatsira sei pachirwere chako chepfungwa.

Kubatsira Vaya Vane Zvirwere Zvepfungwa

Kana ukatsigira shamwari yako ine chirwere chepfungwa, zvinogona kumubatsira chaizvo.