Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatsira Vaya Vane Zvirwere Zvepfungwa

Kubatsira Vaya Vane Zvirwere Zvepfungwa

BHAIBHERI RINOTI: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—ZVIREVO 17:17.

Zvazvinoreva

Tinogona kushaya pekutangira kana shamwari yedu iine chirwere chepfungwa. Asi tinogona kuratidza kuti tinoda shamwari yedu nekuibatsira padambudziko rayo. Tingazviita sei?

Kubatsira Kwazvinoita

‘Kurumidza kuteerera.’—JAKOBHO 1:19.

Imwe nzira yakanakisisa yekubatsira shamwari yako ndeyekunyatsomuteerera paanenge achitaura zviri pamwoyo pake. Haufaniri hako kupindura zvese zvaanotaura. Ratidza kuti uri kunzwa zvaanenge achitaura uye edza kuramba uchimunzwira tsitsi. Edza kunzwisisa manzwiro aari kuita uye usamutonga kana kumutsoropodza. Yeuka kuti anogona kungoerekana ataura zvimwe zvinhu zvaanotozodemba.—Jobho 6:2, 3.

‘Taura zvinonyaradza.’—1 VATESARONIKA 5:14.

Shamwari yako inogona kunge ichishushikana uye ichifunga kuti haibatsiri. Kana ukaita kuti azive kuti unomuda, uchakwanisa kumunyaradza uye kumukurudzira, kunyange kana usingazivi kuti wotaurei.

“Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese.”—ZVIREVO 17:17.

Mubatsire pane zvinhu zvaanenge achida. Pane kungofunga kuti unoziva zvaanoda kubatsirwa nazvo, mubvunze kuti chii chaanoda kuti umubatsire nacho. Kana achiomerwa nekukuudza zvaungamubatsira nazvo, unogona kumukumbira kuti muite chimwe chinhu pamwe chete, chakadai sekumbofamba muchifurwa nemhepo. Unogonawo kumubatsira nekuenda kunomutengera zvaanenge achida, kutsvaira mumba make kana kumuitira rimwewo basa.—VaGaratiya 6:2.

‘Iva nemwoyo murefu.’—1 VATESARONIKA 5:14.

Dzimwe nguva shamwari yako inogona kunge isiri kuda zvekutaura. Ita kuti azive kuti uchange wakagadzirira kumuteerera paanenge ava kuda kutaura. Kurwara kunenge kuchiita shamwari yako kunogona kuita kuti aite kana kuti ataure zvinhu zvinokurwadza. Anogona kungokuudza kuti haachadi kuita zvamanga makaronga kana kungokunyararira. Iva nemwoyo murefu uye edza kumunzwisisa paunenge uchimubatsira.—Zvirevo 18:24.

Zvaunoita Zvinogona Kubatsira

“Ndinoita kuti anzwe akasununguka kutaura neni chero nguva. Kunyange zvazvo ndisingagoni kupedza dambudziko rake, ndinogara ndakagadzirira kumuteerera. Dzimwe nguva chaanenge achingoda munhu anomuteerera uye izvozvo zvinoita kuti anzwe zviri nani.”—Farrah, a uyo ane shamwari ine dambudziko panyaya dzekudya, inogara ichingoshushikana, uye ine chirwere chedepression.

“Imwe shamwari yangu inondibatsira chaizvo uye inondikurudzira. Pane imwe nguva, akandikoka kumba kwake tikadya zvekudya zvinonaka. Akanyatsoratidza kuti anondida uye izvi zvakaita kuti ndimuudze zvaiva pamwoyo pangu. Zvaakaita zvakandikurudzira chaizvo!”—Ha-eun, uyo ane chirwere chedepression.

“Kuva nemwoyo murefu kunokosha chaizvo. Mudzimai wangu paanoita kana kutaura zvinhu zvinogumbura, ndinoyeuka kuti anenge asiri kuzviitisa asi kurwara ndiko kunenge kuchiita kuti adaro. Izvi zvinondibatsira kuti ndisamutsamwira uye ndimunzwisise.”—Jacob, uyo ane mudzimai ane chirwere chedepression.

“Mudzimai wangu anondibatsira chaizvo uye anondinyaradza. Pandinenge ndichinyanya kushungurudzika, haambondimanikidzi kuita zvandinenge ndisingadi. Dzimwe nguva, izvi zvingatoreva kuti anorega kuita zvimwe zvinhu zvaanoda. Ndinomuda zvisingaiti nekuti anondibatsira chaizvo uye haangofungi zvakamunakira.”—Enrico, ane dambudziko rekugara achingoshushikana.

a Mamwe mazita akachinjwa.