Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

3 | Dzidza Pane Vamwe Vanhu Vanotaurwa muBhaibheri

3 | Dzidza Pane Vamwe Vanhu Vanotaurwa muBhaibheri

BHAIBHERI RINOTAURA . . . Nezvevarume nevakadzi vakatendeka ‘vaingovawo vanhu sesu.’—JAKOBHO 5:17.

Zvazvinoreva

Bhaibheri rinotaura nezvevarume nevakadzi vaiva nemanzwiro akasiyana-siyana. Patinenge tichiverenga nezvavo, tinogona kuwana mumwe aiva nemanzwiro akangoita seedu.

Kubatsira Kwazvinoita

Tese tinoda kuti vamwe vatinzwisise. Izvi zvinotonyanya kukosha kana tichitambura nechirwere chepfungwa. Patinoverenga zvakaitika kune vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri, tinogona kuona kuti mafungiro avo nemanzwiro avo ainge akangofanana needu. Izvi zvinoita kuti tione kuti vamwe vanhu vakasanganawo nematambudziko akafanana needu saka patinenge tichishungurudzika, hatizonzwi sekunge kuti zvatangira patiri.

  • MuBhaibheri, tinoverenga zvakataurwa nevanhu vaizviona sevasingabatsiri uye vainge vapererwa. Wakambonzwa here sekuti hauchazvikwanisi? Izvozvo zvakamboitikawo kuna Mozisi, Eriya naDhavhidhi.—Numeri 11:14; 1 Madzimambo 19:4; Pisarema 55:4.

  • Bhaibheri rinotiudza nezvemumwe mukadzi ainzi Hana uyo “aishungurudzika zvakanyanya” nekuti ainge asina vana uye aishorwa nemukadzinyina wake.—1 Samueri 1:6, 10.

  • Bhaibheri rinotiudza nezvemumwe murume ainzi Jobho uyo akasanganawo nezvimwe zvinhu zvatinosangana nazvo. Kunyange zvazvo aitenda muna Jehovha, akashungurudzika zvakanyanya zvekuti akamboti: “Ndinosema upenyu hwangu; handidi kuramba ndichirarama.”—Jobho 7:16.

Kudzidza kuti vanhu ava vanotaurwa muBhaibheri vakakurira sei pfungwa dzisina kunaka kunogona kutibatsirawo kuti tikunde zvinhu zvinotishungurudza.