Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

2 | Kunyaradzwa neBhaibheri

2 | Kunyaradzwa neBhaibheri

BHAIBHERI RINOTI: “Zvinhu zvese zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva pakutsungirira kwedu uye pakunyaradza kunobva muMagwaro.”—VAROMA 15:4.

Zvazvinoreva

Bhaibheri rine mashoko anonyaradza uye anotisimbisa patinenge tichifunga zvinhu zvisingakurudziri. Rinotipawo tariro yekuti munguva pfupi iri kuuya, tichange tisisashushikane.

Kubatsira Kwazvinoita

Tese tinomboshushikanawo dzimwe nguva; asi vanhu vane chirwere chedepression vanogona kugara vachingoshushikana mazuva ese. Bhaibheri ringavabatsira sei?

  • Bhaibheri rine mashoko akawanda anokurudzira atinogona kugara tichifunga pane kungofunga zvinhu zvinoodza mwoyo. (VaFiripi 4:8) Rinotibatsira kuti tigare tichifunga zvinhu zvinonyaradza uye zvinozorodza izvo zvinotibatsira kudzora pfungwa dzedu.—Pisarema 94:18, 19.

  • Bhaibheri rinotibatsira kuti tisafunga kuti hatikoshi.—Ruka 12:6, 7.

  • Pane mavhesi eBhaibheri akawanda anotibatsira kuona kuti hatisi tega uye kuti Mwari, Musiki wedu, anonyatsonzwisisa manzwiro edu.—Pisarema 34:18; 1 Johani 3:19, 20.

  • Bhaibheri rinovimbisa kuti Mwari achabvisa ndangariro dzezvinhu zvinorwadza zvakaitika kwatiri. (Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:4) Patinenge tichishungurudzika, vimbiso iyi inogona kutipa simba rekutsungirira.