Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ane Hanya Newe

Mwari Ane Hanya Newe

BHAIBHERI rine mazano anonyatsotibatsira nekuti rakabva kuna Mwari. Harisi bhuku rezveutano, asi rinogona kutibatsira kana tasangana nemamiriro ezvinhu anoshungurudza, pfungwa dzedu dzakavhiringidzika, tiine ndangariro dzezvinhu zvinorwadza zvakamboitika, uye kana tichirwara nepfungwa kana kuti nezvimwewo zvirwere.

Chinonyanya kukosha ndechekuti Bhaibheri rinotiudza kuti Musiki wedu, Jehovha Mwari, a anonzwisisa mafungiro edu nemanzwiro edu kupfuura chero ani zvake. Anoda chaizvo kutibatsira pazvinhu zvese zvatinosangana nazvo. Semuenzaniso, funga nezvemavhesi aya maviri:

“Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.”—PISAREMA 34:18

“Ini Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rwerudyi,uye ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ndichakubatsira.’”—ISAYA 41:13

Asi Jehovha anotibatsira sei padambudziko iri rezvirwere zvepfungwa? Sezvauchaona munyaya dzinotevera, Jehovha ane nzira dzakawanda dzaanotibatsira nadzo achiratidza kuti anotida.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.