Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOMBOTAURA NEZVEI?

Nei Uchifanira Kufarira Bhaibheri?

Nei Uchifanira Kufarira Bhaibheri?

Bhaibheri ndiro bhuku rinofarirwa kupfuura mamwe ose panyika. Sei richifarirwa? Chikonzero chokutanga ndechokuti rinotaura zvinoitika muupenyu hwevanhu. Rinonyatsotaura nyaya chaidzo dzevanhu, kugarisana kwavaiita nevamwe uye ukama hwavaiva nahwo naMwari. Nyaya dzacho dzine zvidzidzo zvinobatsira uye dzakanyorwa zviri nyore dzisingapotereri, zvokuti dzinogona kushandurirwa mumazana emitauro, dzichinzwisiswa nevanhu munyika yose vangararama chero panguva ipi zvayo. Uyewo mazano eBhaibheri anoshanda nguva dzose.

Chinonyanya kukosha ndechokuti Bhaibheri haringotauri kuti ibhuku rinotaura nezvaMwari asiwo kuti rinobva kuna Mwari. Rinozivisa zita raMwari, unhu hwake uye chinangwa chake chisingachinji chakaita kuti asike nyika nevanhu. Bhabheri rinotaurawo nezvokurwisana kwezvakanaka nezvakaipa kwava nenguva refu, inova nyaya inokwezva zvikuru ichava nemagumo anofadza. Kuverenga Bhaibheri uine chido chokunzwisisa kunoita kuti uve nekutenda uye tariro.

Mashoko ari muBhaibheri hapana kumwe kwaanowanika. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotiudza chokwadi panyaya dzakadai sedzinotevera:

  • Kwakabva vanhu uye chinoita kuti titambure

  • Zvakaitwa naMwari kuti anunure vanhu

  • Zvatakaitirwa naJesu

  • Remangwana renyika nevanhu

Wadii kumboongorora mapeji anotevera woona kuti Bhaibheri rinotaura nezvei?