Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Vanhu Vakawanda Vaindivenga”

“Vanhu Vakawanda Vaindivenga”
  • GORE ROKUBEREKWA: 1978

  • NYIKA: CHILE

  • NHOROONDO YOUPENYU: AIVA NECHISIMBA

MARARAMIRO ANDAIITA:

Ndakakurira muSantiago, guta guru reChile, munzvimbo yaiva yakazara vanhu vaiita zvemadhiragi, zvikwata zvematsotsi, nekuparwa kwemhosva. Baba vangu vakapondwa pandakanga ndava nemakore mashanu. Amai vangu vakazogara nemumwe murume aiva neutsinye. Aigara achitirova. Nanhasi ndichiri kurwadziwa mumwoyo nezvaiitika makore iwayo.

Sezvandaikura, ndakatanga kuita chisimba pamusana pezvakaipa zvaiitika izvi. Ndaiteerera musambo weheavy-metal, ndainwa doro zvakanyanya, uye ndaishandisa madhiragi pano neapo. Ndaigara ndichirwa mumigwagwa nevaiita zvekutengesa madhiragi uye vakaedza kundiuraya kakawanda. Pane imwe nguva, chimwe chikwata chandairwisana nacho chakabhadhara mumwe murume aiva nemukurumbira wekuuraya vanhu kuti andiuraye, asi ndakapukunyuka ndingori nechironda chekubayiwa nebanga. Pane imwewo nguva, vamwe varume vechikwata chaiita zvekutengesa madhiragi vakandinongedzera pfuti mumusoro uye vakaedza kundiuraya vachiita zvokundisungirira.

Muna 1996, ndakadanana nemukadzi anonzi Carolina uye takaroorana muna 1998. Pashure pokunge mwanakomana wedu wekutanga azvarwa, ndakanzwa kutya zvikuru kuti ndaizopedzisira ndaita sababa vangu vokurera ndobata mhuri yangu zvisina kunaka pamusana pehasha dzandaiva nadzo. Saka ndakaenda kuchipatara chemunzvimbo yedu chokubatsira vanhu kuti vagone kugarisana zvakanaka nevamwe. Ndakapiwa mishonga asi hazvina kubatsira. Ndaingoramba ndichingogumburwa netunhu kunyange tudiki-diki; ndakanga ndisisabatsiriki. Ndakaedza kuzviuraya ndichida kuti ndisarambe ndichishungurudza mhuri yangu. Asi, ndinotenda kuti hazvina kuzobudirira.

Ndakanga ndava nemakore akawanda ndisingadaviri kuti kuna Mwari, asi ndaida kudavira muna Mwari. Saka ndakatanga kupinda imwe chechi. Panguva iyoyo, mudzimai wangu aidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndaivenga Zvapupu zvacho, uye kakawanda ndaivatuka zvinonyadzisira. Asi vaiita zvandaisatarisira, nokuti nguva dzose vaindipindura zvine rugare.

Mumwe musi, Carolina akandikumbira kuti ndiverenge pana Pisarema 83:18 muBhaibheri rangu. Ndima iyoyo inonyatsotaura zvakajeka kuti zita raMwari ndiJehovha. Ndakashamisika kuona  kuti kuchechi ndakanga ndadzidza nezvamwari, asi kwete nezvaJehovha. Mukutanga kwegore ra2000, ndakatangawo kudzidza Bhaibheri neZvapupu.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Sezvandaifambira mberi, ndakanyaradzwa nokuziva kuti Jehovha ndiMwari ane tsitsi uye anokanganwira. Somuenzaniso, pana Eksodho 34:6, 7, Bhaibheri rinotsanangura Jehovha sa“Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi, anochengetera vane zviuru mutsa worudo, anoregerera kukanganisa, kudarika uye chivi.”

Ndakanyaradzwa nokuziva kuti Jehovha ndiMwari ane tsitsi uye anokanganwira

Asi zvaisava nyore kuti ndishandise zvandaidzidza. Ndaiva nechokwadi chokuti ndaisazombofa ndakakwanisa kudzora hasha dzangu. Pose pandaikundikana, Carolina aindikurudzira nerudo. Aindiyeuchidza kuti Jehovha aiona zvose zvandaiedza kuita. Kunditsigira kwaaiita kwakandipa simba rekuramba ndichiedza kufadza Jehovha kunyange zvazvo ndainzwa ndisina tariro.

Rimwe zuva, Alejandro uyo aindidzidzisa Bhaibheri, akandikumbira kuti ndiverenge VaGaratiya 5:22, 23. Ndima idzodzo dzinotaura kuti chibereko chomudzimu waMwari “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” Alejandro akatsanangura kuti ndaisagona kuva neunhu hwakadaro ndichishandisa simba rangu, asi zvaitoda mudzimu mutsvene waMwari. Chokwadi ichocho chakanyatsochinja mafungiro angu!

Ndakazopinda gungano reZvapupu zvaJehovha. Kurongeka, utsanana uye kushamwaridzana zvandakaona ikoko zvakaita kuti ndive nechokwadi chokuti ndakanga ndawana chechi yechokwadi. (Johani 13:34, 35) Ndakabhabhatidzwa muna February 2001.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Jehovha akandichinja kubva pakuva munhu aiita zvechisimba kuti ndive munhu ane rugare. Ndinonzwa sokuti akandiburitsa mumatope mandakanga ndakanyura. Vanhu vakawanda vaindivenga, uye handivapi mhosva. Iye zvino ndava kufara kushumira Jehovha ndiine rugare pamwe chete nemudzimai wangu nevanakomana vaviri.

Hama dzangu neshamwari dzekare dzakashamisika zvikuru nekuchinja kwandakaita. Saka vakawanda vacho vava kufarira kudzidza chokwadi chemuBhaibheri. Ndakavawo nechikomborero chokubatsira vamwe kuti vazive Jehovha. Ndinofara zvikuru kuona chokwadi chemuBhaibheri chichichinja upenyu hwavowo!