Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOMBOTAURA NEZVEI?

Vanhu Vakabva Kupi?

Vanhu Vakabva Kupi?

Bhuku rokutanga reBhaibheri raGenesisi rinotaura kwakabva zvinhu zvose nemashoko mashoma uye ari nyore kunzwisisa richiti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Genesisi 1:1) Pashure pokunge Mwari asika zvinomera nemhuka, akasika vanhu vekutanga Adhamu naEvha. Vakanga vakasiyana nemhuka nokuti vakasikwa vachikwanisa kuzvisarudzira uye kuratidza rudo, kururama, mufaro, nezvimwewo sezvinongoitwa naMwari. Saka vaizotongwa maererano nezvavaizoita. Kana vaizoteerera Mwari, vaizova vabereki vemhuri yose yepanyika yaizorarama nokusingaperi iine rugare maererano nechinangwa chaMwari.

Zvisinei, imwe ngirozi yakanyengera vanhu kuti vaite maererano nezvayaida zvoudyire. Yakabva yava Satani zvinoreva kuti “Mupikisi.” Satani akataura achishandisa nyoka, ndokunyengera Evha achimuudza kuti aizova neupenyu hwakanaka asingatungamirirwi naMwari. Adhamu naEvha vakateerera Satani, ndokupandukira Musiki wavo. Chisarudzo chavo chakaipa chakaita kuti varasikirwe neupenyu husingaperi uye chakaita kuti tose tive nechivi uye tife.

Nokukurumidza, Mwari akabva azivisa kuti aida kugadzirisa dambudziko rinosuruvarisa iri kuti ape vana vaAdhamu mukana wokuwana upenyu husingaperi. Mwari akazivisa kuti paizova ne“mwana,” aizoparadza Satani uye aizobvisa kutambura kwakakonzerwa naSatani pamwe chete, naAdhamu naEvha. (Genesisi 3:15) “Mwana” iyeye aizova ani? Zvaizozivikanwa nokufamba kwenguva.

Panguva iyi Satani akaramba achiedza zvakasimba kuti akanganise chinangwa chaJehovha chakanaka. Vanhu vakaipa vakaramba vachiwedzera zvikuru. Mwari akafunga kuparadza vakaipa nemafashamo. Akaudza Noa akarurama kuti avake Areka, iyo yaiva zibhokisi zihombe-hombe raiyangarara pamusoro pemvura, kuti azviponese pamwe nemhuri yake uye nemhuka dzaakarayirwa kuti apinde nadzo muareka.

Pashure pegore kubva pakatanga Mafashamo, Noa nemhuri yake vakabuda muareka ndokuenda panyika yakachena. Asi “mwana” akanga asati avapo.

—Inobva pana Genesisi, zvitsauko 1-11; Judha 6, 14, 15; Zvakazarurwa 12:9.