Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOMBOTAURA NEZVEI?

“Tawana Mesiya”!

“Tawana Mesiya”!

Pashure pemakore anenge 400 kubva pakanyorwa bhuku reBhaibheri rokupedzisira remagwaro echiHebheru, uprofita hwaMika nezvaMesiya hwakazadzika nokuti: Jesu akaberekerwa muBhetrehema. Makore anenge 30 gare-gare, muna 29 C.E., chikamu chokutanga cheuprofita hwaDhanieri hwokuuya kwaMesiya chakazadzika. Jesu akabhabhatidzwa uye Mwari akamuzodza nemudzimu mutsvene. Mesiya kana kuti Mwana akanga akamirirwa kwenguva refu akasvika panguva chaiyo!

Jesu akabva angotanga ushumiri hwake, ‘achizivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.’ (Ruka 8:1) Sezvakanga zvaprofitwa, Jesu aiva nemutsa, aiva munyoro, uye aiva nehanya nevamwe. Aidzidzisa zvinobatsira uye nerudo, achirapa “undonda hwemarudzi ose,” zvichiratidza kuti Mwari aiva naye. (Mateu 4:23) Vanhu vemazera ose vaiuya kuna Jesu uye vakagumisa kuti: “Tawana Mesiya”!—Johani 1:41.

Jesu akafanotaura kuti Umambo hwake husati hwava kutonga zvizere, panyika paizova nehondo, kudengenyeka, nemamwewo matambudziko akawanda. Akakurudzira vanhu vose kuti, “rambai makarinda.”—Mako 13:37.

Jesu akanga asina chivi uye aiteerera Mwari nguva dzose, asi aiva nevavengi vakazoita kuti aurayiwe. Rufu rwake rwakapa chibayiro chakakwana chokuti vanhu vavezve netariro youpenyu husingaperi muParadhiso, iyo yakaraswa naAdhamu naEvha.

Rufu rwaJesu uye kumutswa kwaakaitwa naMwari ava nemuviri wemudzimu pashure pemazuva matatu zvakazadzisa uprofita. Jesu akazozviratidza kuvadzidzi vake vanopfuura 500. Asati aenda kudenga, Jesu akapa vateveri vake basa rokuparidza mashoko akanaka nezvake uye nezveUmambo hwake ku“vanhu vemarudzi ose.” (Mateu 28:19) Vakaita basa iri zvakadii?

Inobva muna Mateu, Mako, Ruka, Johani, 1 VaKorinde.