Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ita Semwana

Ita Semwana

Dhaunirodha:

  1. 1. Ishe wedu Jesu

    Akadzidzisa kuti,

    Munyika ino inozvikudza,

    Tinoda kuita semwana.

    Tokudza vamwe, saMwari wedu asingasaruri.

    (KORASI)

    Kunge mwana, tide vamwe, tidanane,

    Tione zvakanakisa zvavanoita.

    Kunge mwana, tsitsi dzedu dzitutume,

    Tione zvinotibatanidza chete.

  2. 2. Makore zva’nofamba

    Rudo ruchipera m’nyika,

    Patinoona zvinoita vamwe,

    Zviri nyore kuvashora.

    Mazuva ano kukudza vamwe ibasa chairo.

    (KORASI)

    Kunge mwana, tide vamwe, tidanane,

    Tione zvakanakisa zvavanoita.

    Kunge mwana, tsitsi dzedu dzitutume,

    Tione zvinotibatanidza chete.

    Ita semwana.

    (BHIRIJI)

    Tichiwedzera,

    Kuda Jehovha,

    Tichinakidzwa

    Nekunamata,

    Tisakanganwe

    Kuita semwana,

    Nyangwe nyika ichizvikudza.

    (KORASI)

    Kunge mwana, tide vamwe, tidanane,

    Tione zvakanakisa zvavanoita.

    Kunge mwana, tsitsi dzedu dzitutume,

    Tione zvinotibatanidza chete.

    Ita semwana.