Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwoyo Wangu Uri Pauri

Mwoyo Wangu Uri Pauri

Dhaunirodha:

  1. 1. Pane chipo ch’nobva kum’soro,

    Chakazonaka chek’danana.

    Hana dzikangoroverana,

    Vanofara zvek’fara zviya.

    (KORASI)

    Hazvitombonetsi. Tinoziva rudo.

    Rwukakoshwa ka-3,

    Rw’nokura.

    NaJehovha pamberi murwendo rwedu,

    Mwoyo wangu uri pauri,

    Iwewe chete,

    Iwe chete.

  2. 2. Tichaedzwawo,

    Asi rudo rwedu rw’chatosimba.

    Kunge rwakasungwa neutare.

    Ndiani angatiparadzanisa.

    A a, hapana.

    (KORASI)

    Hazvitombonetsi. Tinoziva rudo.

    Rwukakoshwa ka-3,

    Rw’nokura.

    NaJehovha pamberi murwendo rwedu,

    Mwoyo wangu uri pauri,

    Iwewe chete,

    Iwe chete.

    (BHIRIJI)

    Rudo rwedu haruperi.

    Chipo’chi chakatobva kuna Mwari.

    ‘Rudo rwune simba sezvakaita rufu.’

    “Pfupa remapfupa angu”; uri ‘nyama yangu’.

    M’diwa unondidadisa, muzvinhu zvese.

    Nd’chakuda kweupenyu hwese.

  3. 3. Nyatsote’rera ndikuudze

    Nd’nokuda nemwoyo wangu wese.

    Ndinotenda pawakava wangu.

    Ndinotenda patakachata.

    Ndo’chokwadi.

    (KORASI)

    Hazvitombonetsi. Tinoziva rudo.

    Rwukakoshwa ka-3,

    Rw’nokura.

    NaJehovha pamberi murwendo rwedu,

    Mwoyo wangu uri pauri,

    Iwewe chete.

    Iwe chete.

    Mwoyo wangu uri pauri,

    Iwewe chete.