Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kungonyemwerera

Kungonyemwerera

Dhaunirodha:

  1. 1. Tingataura zvizhinji,

    Nyaya dzisingaperi;

    Tingadh’rowa mapikicha,

    Zvingasavafadza.

    Tikataura netsitsi

    Kazhinji zvinochinja,

    Asi chingangodiwa

    Kungonyemwerera.

    (KORASI)

    Kunyemwerera kunonyevenutsa.

    Kunyemwerera ndoopekutangira.

    Wagadzirira wanyengetera,

    Cha’kudiwa kungonyemwerera.

  2. 2. Nyika haina tsitsi—inoshaisa tariro.

    Vazhinji vanorasiswa nenyika isina rudo.

    Tinozviona kumeso kwevari kupfuura.

    Saka tinopa tariro vatinowana.

    (KORASI)

    Kunyemwerera kunonyevenutsa.

    Kunyemwerera ndoopekutangira.

    Wagadzirira wanyengetera,

    Cha’kudiwa kungonyemwerera.

  3. 3. Pamwe tinoora mwoyo panopfuura vamwe

    Vachisiya mashoko atinoparidzira.

    Vamwe vakaoma mwoyo zvokusamboda shoko.

    Pamwe kungonyemwerera ndokwavanongoda.

    (KORASI)

    Kunyemwerera kunonyevenutsa.

    Kunyemwerera ndoopekutangira.

    Wagadzirira wanyengetera,

    Cha’kudiwa kungonyemwerera.