Kutsvaga Pfuma
Dhaunirodha:
1. Ndichirava nekudzidza,
Ndinowanawo pfuma,
Ndichitsvaga zvakadzama,
Ndichishandisa nguva.
Pandinoona ndiri munzvimbo yacho,
Ndinobva ndanzwisisawo Bhaibheri.
(KORASI)
Kufungidzira nekufungisisa—
Zvondibatsira kuona.
Ndobva ndaziva zvakarurama
Ndova munhu wandinoda—
Wandinoda kuva.
2. Vakanaka vakaipa—
Ndinofunga nezvavo.
Ndonzwisisa kuti Mwari
Anonzwa sei navo.
Padzimwe nguva ndinobva ndanzwisisa
Kuti ndofadza sei Jehovha Mwari.
(KORASI)
Kufungidzira nekufungisisa—
Zvondibatsira kuona.
Ndobva ndaziva zvakarurama
Ndova munhu wandinoda—
Wandinoda kuva.
(KORASI)
Kufungidzira nekufungisisa,
Kufungidzira nekufungisisa,
Kufungidzira nekufungisisa.